Amai havaudzi uroi

Posted: Sun, Jul 3, 2022

Vazhinji vedu tiri pakati pekudzungaira nekuti takatadza kuyanana nemidzimu yose inotigumbatira. Pane mudzimu unoti ukatsamwa unodambura mbereko, mudzimu wekwamai. Amai havatenderwi kuita chigumbu newe, kukuridzira tsamwa kana kushungurudzika mumoyo nepamusoro pako. Chero amai vako ukanovabata kumashope shope, mwana hauna kodzero yekuudza amai uroi, chero vachiroya zvechokwadi. Pachivanhu pane nzira dzinoshandiswa kuti mai vaudzwe kuti vave kupisa nevana vavo. Munhaurwa iyi ndakatarisa zvingaita kuti amai vanobatwa kumashope shope, asi chero ukanobata mai, iwe hauna kodzero yekusvika uchinanga amai, wopopota kana kurova mai. Ukabata mai, unotsvaka baba, kana imwe hama inozogona kutaura namai, wofamba nayo. Asi hausviki kuna baba uchiti ndakafamba ndikabata mai, unotoita semunhu asingazivi, pazvinobuda zvotoitawo sezvinhu zvitsva kwauri. Baba ndivo vachazoziva magadzirisiro enyaya iyi. Mwana haugadzi mai dare. Panotsamwa mai, kwete nemashoko ako chete, asi pamwe nemaitiro ako, ziva kuti uchafa uri rombe. Hakuna gwenzi rinosunungura tsamwa yamai, unototanda botso chete.

More posts