Posted: Thu, Aug 11, 2022
Kana uine mudzimu, wakaroorwa, uchiti handidi bonde nekuti ndiri mugarwi…uri kutinyepera. Mudzimu wakasiyana nechikwambo kana ngozi. Chikwambo kana ngozi zvagadzwa pamunhu ndizvo zvinoti uyu mukadzi wangu kana kuti murume wangu, handidi kumuona achiita bonde nemumwe munhu kwete mudzimu. Mudzimu haukuiti mukadzi saka haunei nebonde rako remumba, unotofara kuona mhuri ichikura. Chinovengwa nemudzimu chipfambi nekuti chinorerutsa matare. Saka bonde remumba harifi rakasvibisa matare. Tinofanirwa kuve tiri vanhu vane chiremerera kuti mudzimu usununguke kubata nesu. More posts