Posted: Wed, Jul 13, 2022
Hama yedu inogona kuchengetwa musiri mumusha mayo, kana kunze kwenyika, zvobva zvozotinetsa kurova guva racho. Pamwe varidzi vemusha vanenge vachiti medu mumusha hamubikwi doro. Tinogona kuita chivanhu chekutora ivhu. Asi chivanhu ichi hachisi nyore, haisi nyaya yekungosvika paguva monokora ivhu monochengeta. Pane zvinofanirwa kutevedzwa. Panodiwa mbudzi, nemucheka mutema uye nzira yakanaka yekutora ivhu, vazhinji vanotanga kunokora kutsoka, voenda kumusoro, kurudyi, vopedzisira nekuruboshwe. Vamwewo vanoramba tsika iyi vachiti havaiti makuva maviri. Saka zviri kumuridzi wejira kufuka kana kuwarira. More posts