Posted: Thu, Nov 3, 2022
Hope chikamu chikuru chematare. Hakuna kushopera kunodarika hope. Kuti munhu akwanise kurota, anenge aine mudzimu, kana zita, kana shavi. Asi dambudziko ratinaro nderekusakwanisa kududzira hope. Ngatizivei zvekare kuti dudziro yehope inogona kusiyana. Hope dzinoenderana nedare remudzimu dzinosanganisira, kurota shato, kurota murungu(chero vamwe vachiti varoi), kurota gungwa, kurota mapopoma etc Hope dzinoenderana nedare remashavi, kurota shumba(mudzimu une shavi redzviti), kurota chamupupuri, kana madhaka, kana nyoka iri pasi pemvura, kana mwana musikana wemurungu(mudzimu une shavi renjuzu) Hope dzinodudzira mhepo dzinosanganisira kurota mapurisa, kurota imbwa, kurota uri mumota(pane musiyano nekurota uchichaira) kurota nzou, kurota nguruve etc Hope dzinoenderana nerufu, kurota muchato, kurota uchipiwa upfu, kurota mvura ichinaya ichipinda mumba(zvakasiyana nekurota uchinaiwa uchifamba), kurota mombe dzichirima, kurota uchichera mbambaira, kurota coin re brown etc. Hope dzinoenderana nemashoko- kurota moto, kurota tsuro ichisvetuka svetuka, etc Hope dzinoenderana nekubudirira kana kukunda- kurota mvura, kurota zvinhu zvakasvibira(green) etc Hope dzinoenderana nepfuma- kurota inda(lice), kurota uri murombo, kurota tsvina yemunhu, kurota usina kupfeka(kkk ndoziva hangu kuti apa panounza nharo) kurota makwaya, etc More posts