Posted: Wed, May 10, 2023
Kupira inzwi rinoreva kuunganidza matare enyikadzimu kuti tikwidze shoko. Patinopira tinenge tisiri kutaura nedzimu rimwe, asi nedare revadzimu. Zvino dare riri nyikadzimu harigarwi nevedzinza chete, rine machemberewo(vekwamai vakazvara baba, nevekwamai vakazvara mai), mbereko(vekwamai), masahwira(mashavi). Daviro yatiinayo vatema ndeyekuti matare aya ndiwo anovhura makwara. Tikakanganwa vadzimu, makwara edu anovhara. More posts