Posted: Wed, Jun 1, 2022
Zvichitevera kakutaura taura kariko mazuvano, tati timbotarisa kuti nyaya yehurombwa inofamba sei. Zvirikunzi pane vari kuromba vachishandisa zvigunwe zvavo vobva vapiwa mota kana mari. Izvi zvinoita kuti tikurukure kuti kuromba chii uye kuti vanhu vanoromba nenzira dzipi. Kana tichiti kuromba, mazuvano, vazhinji vanenge vachireva kuromba chikwambo chero hazvo zvinorombwa nezvekurombera zvakawanda. Kuromba pachiNdebele kunonzi ‘ukuthwala’, inzwi rinobva patsika yaiveko parudzi rwavo yaive yakafanana nemusengabere. Yaive yakaita sekupamba munhu wozobvisa hako roora watotiza nemunhu. Naizvozvo, Ukuthwala/Kuromba unenge uchimanikidza/kupamba mweya wemufi nemushonga, womanikidza mweya uyu kuti ukushandire pamabasa, kakuru, epfuma. Ndiko kunotora chikwambo uku. Kuti chikwambo inzwi rinobva painzwi reChindau rekuti Mukwambo, zvichireva Mukwasha. Tose tinoziva kuti mukwasha anounza pfuma mumusha uye mukwasha anotumika. Saka munhu ane chikwambo anenge achiti anekamukwasha kake kanounza pfuma uye kaanogona kutuma kunoronda chikwereti. Kana uchiromba chikwambo ndiwe unobhadhara haubhadharwi iwe. Unotobhadhara n’anga yaunoda kuti ikupe chikwambo kana kuti ikurombese. Saka kana kuine vanhu varikuti varikubhadharwa vaendesa chikunwe chavo, havasi kuromba asi kuti varikutengesa nhengo dzemuviri wavo. Panorombwa chikwambo pachidiwa nhengo yemuviri wemunhu, munhu iyeye anotouraiwa nekuti mweya wake ndiwo unozoshandiswa sechikwambo, zvabikwa nemushonga. Kupamba mweya wemunhu zvine matambudziko nekuti mweya wacho unopedzisira wokurwisa yave ngozi. Uye paunofa unenge wasiira dzinza rese nhamo. Mumusha munenge mofiwa, vana havaroorwi, nemamwe manenji anenge achiitika. Kuromba kune matambudziko makuru. More posts