Posted: Mon, Jul 25, 2022
Kurova guva ndeimwe yetsika dzakakosha dzevatema. Kurova guva kudzora mweya wemufi mumusha kuti ukwanise kuyanana nedare redzinza riri nyikadzimu. Izvi ndizvo zvinoita kuti midzimu ikwanise kunyatsotifudza zvakanaka. Kusarova guva remubereki kune matambudziko makuru nekuti panenge pave nemukaha pakati pedu nemidzimu yedu. Mweya wemubereki, ndiwo unofanirwa kutora zvichemo zvedu, zvatinenge tapira, uchinoisa kumatare edzinza ari nyikadzimu. Manje kana mubereki uyu asina kurohwa guva, haakwanisi kusvitsa zvichemo zvedu kumatare aya nekuti anenge achinzi achiri musango. More posts