Posted: Wed, Feb 22, 2023
Tichienderera mberi nenhau yaNehanda. Mbuya Charwe pavakabudirwa naNehanda, havana kumboti ndiri kubudirwa naNyamita Nehanda, vaibudirwa naGumbi Nehanda, Mhondoro, ndosaka vakaita mukurumbira mukuru chero varungu vasati vauya. Mbuya Charwe vakazomukawo semudzimu pachimurenga chepiri, havana kumuka vachiti ndini Gumbi Nehanda, vakangomuka saNehanda. Ndizvo zvimwezvo naNyamita nhasi, anongomukawo kwake achiti ndini Nehanda asi haati ndini Gumbi Nehanda. Izvi zvorevei? Mudzimu waGumbi Nehanda ndewemhondoro isingafambi neimba kana mutupo mumwe chete. Wakabata naNyamita ukabatazve naCharwe vaive nemitupo yakasiyana. Asi paunosimuka kubva mudzinza mawaibata uri, homwe yaparara, homwe iyoyo inozongomukawo ichizvidaidza nezita rekuti Nehanda asi haizombofi yakazviti ndini Gumbi. Ndosaka Nyamita achibuda achizviti Nehanda, achibuda kunevekwake…Charwe obudawo achizviti Nehanda achibuda kune vekwake. Nhau iyi mumaonero angu, ndiyo yopa kuti vamwe vati Nyamita ndiye Nehanda chaiye chaiye. Hongu Nyamita ndiNehanda asi kwete Gumbi. Charwe naNyamita havagoni kubuda kumadzinza asiri ekwavo sezvinoita Gumbi Nehanda anobuda kumitupo yakasiyana siyana. Saka panonzi Nehanda mudzimu wenyika haparevewi Charwe kana Nyamita asi Gumbi. Chekupedzisira, Oral Tradition inotaura zvinopikisana, saka vamwe vanepfungwa dzavowo, vakasununguka kutipawo pfungwa idzodzo, tidzidzewo zvimwe. Hakusi kurwa asi kurodzana pfungwa. More posts