N'anga isvikiro

Posted: Sun, Jun 12, 2022

MuZimbabwe masvikiro akaita mbiri ndiPasipamire aisvikirwa naChaminuka, Charwe aisvikirwa naNehanda Zvino mudzimu unouya nezvipo, mashavi, akasiyana siyana. Kana mudzimu ukauya uine mashavi anorapa, svikiro iroro rinobva raita n’anga kana chiremba. Rimwe remashavi aya, rinorapa, rinonyanyozikanwa nevakawanda injuzu. Asiwo kune masvikiro anozomanikidza mudzimu unenge usina mashavi anorapa kuti urape, ava ndivo vanozoita mashavi ekutenga kana kuromba. Kugadzira mudzimu une mashavi anorapa ndiko kunonzi pachivanhu, kutemedza.

More posts