Shadaya Knight - Pasina humhandara, usabhadhara lobola

Posted: Thu, Sep 22, 2022

Nyaya yehumhandara haisi itsva mutsika dzevatema. Asi panhau yekubvisa roora, nhau iyi ine painopinda here? Hongu nhau iyi ine painopinda asi kwete semutauriro wakaita Shadaya. Kuti tione painopinda zvinoda kuti tinyatsotevera maroorerwo aiitwa munhu pasichigare. Tinoona kuti munhu aisvika pakunobvisa danga asati apiwa mukadzi wake. Musikana aizoperekwa mushure mekunge danga rabviswa. Musikana uyu akazoonekwa iri mhandara, murume aizobvisa zvekare mombe yechimanda. Mombe iyi yanga isiri yedanga asi ndiyo yanga yakanyanya kukosha panhau dzekuroorana idzi. Yaiuya iri nzombe. Ndiyo yaipa tezvara masimba ekutonga mukwasha. Musikana akawanikwa isiri mhandara, mombe yechimanda yaisabvisiwa uye zvainyadzisa zvikuru vana tete vemusikana uyu avo vaipiwa badza rakaboorwa buri pamupini, kana jira rakaboorwa pakati. Apa tinoona kuti kubvisa Lobola hakunei nehumhandara hwemusikana, nhau yehumhandara inongopinda chete pamombe yechimanda. Pachivanhu chedu, kusaroora imhosva yakakura kwazvo. Mukadzi akafira mumusha menyu asina kuroorwa inenge yatove ngozi yamapara. Ndipo paya pamunozofamba muchinobata mombe yehumai. Full video
.

More posts